Psalms 107

BHUKU 5

Mapisarema 107–150

1Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
rudo rwake runogara nokusingaperi.
2Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro,
vaakadzikinura muruoko rwomuvengi,
3avo vaakaunganidza kubva panyika dzose,
kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi.

4Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga,
vachishayiwa nzira yokuenda kuguta kwavangagara.
5Vakava nenzara nenyota,
uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara.
6Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo,
akavarwira pakutambura kwavo.
7Akavafambisa nenzira yakarurama
kuenda kuguta ravaizogara.
8Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi,
uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira,
9nokuti anogutsa vane nyota,
uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

10Vamwe vakagara murima nokusurikirwa kwakadzama,
vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare,
11nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari
uye vakazvidza kurayira kweWokumusoro-soro.
12Saka akaita kuti vashande zvinorwadza;
vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira.
13Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo,
uye akavaponesa pakutambura kwavo.
14Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika,
uye akadambura ngetani dzavo.
15Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi,
uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira,
16nokuti anopwanya masuo endarira,
uye akagura mazariro esimbi.

17Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira,
uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo.
18Vakasema zvokudya zvose,
uye vakaswedera pamasuo orufu.
19Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo,
uye akavaponesa pakutambura kwavo.
20Akatuma shoko rake uye akavaporesa;
akavanunura kubva paguva.
21Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi,
uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira.
22Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga,
uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

23Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe;
vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji.
24Vakaona mabasa aJehovha,
mabasa ake anoshamisa pakadzika.
25Nokuti akataura uye akamutsa dutu
rikasimudza mafungu.
26Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika;
mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka.
27Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pakupererwa namazano.
28Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo,
uye akavabudisa pakutambura kwavo.
29Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve;
mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro.
30Vakafara parakadzikama,
uye akavatungamirira kwakachengetedzeka kwavaida.
31Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi,
uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.
32Ngavamukudze paungano yavanhu,
uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.

33Akashandura nzizi dzikava gwenga,
hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota,
34uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu,
nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo.
35Akashandura gwenga rikava madziva emvura,
nenyika yakaoma ikava zvitubu zvinoerera;
36ndipo paakagarisa vane nzara,
uye vakavaka guta ravangagara.
37Vakadyara minda, uye vakasima minda yemizambiringa,
ikabereka mukohwo wakanaka;
38akavaropafadza, uye akavawanza zvikuru,
uye haana kutendera zvipfuwo zvavo kuparara.

39Ipapo vakava vashoma, uye vakaninipiswa vakadzvinyirirwa,
nenjodzi uye nokusuwa;
40iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota,
akaita kuti vadzungaire musango risina nzira.
41Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo,
uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai.
42Vakarurama vanozviona vagofara,
asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo.

43Ani naani akachenjera ngaachengete zvinhu izvi,
uye arangarire rudo rukuru rwaJehovha.
Copyright information for SnaBDSC